Download Chereads APP
Chereads App StoreGoogle Play
Chereads

RUZHA RWERINDA

🇦🇪Valentine9d
7
chs / week
The average realized release rate over the past 30 days is 7 chs / week.
--
NOT RATINGS
444
Views
VIEW MORE

Chapter 1 - RUZHA RWERINDA

*_☠️☠️RUZHA RWERINDA ☠️☠️_*

💜VALENTINE SHONA NOVELS

*Channel*

https://whatsapp.com/channel/0029VaVwv36HVvTWOkWkFA3H

A STORY WRITTEN BY

NB : PARENTAL GUIDANCE IS ADVISED :

*💜 Valentine Dhambura* aka Chikwapuro

*Follow me On Facebook* ♤👇

https://www.facebook.com/profile.php?id=100093617696004&mibextid=ZbWKwL

NEW BOOK 🌠 🌠

👂Tsvigiri munzeve👂

CHAPTER 01

Narration

Pakanga pava pakati peusiku chaipo, panze pachitii zii chakanga chakunzwika zvishiri chete pamwe nemakurwe. Uku denga ranga rachitsamwa zvino zvekuti pasina kana nguva maiva machifuga jira dema rakasviba kuti sviii iro raiva gore raibva kumavira zuva richiinda kuma bvazuva.

Kwaipenyera kudenga chete vanhu vese vaiva varere zvavo mudzimba kuzorodza nyama , Apana aikwanisa kuona zvese zvaiitika pazuva iri kunze kweve mweya chete. Muraini raSakurai maiva mune dzimba shoma asi maiva nevanhu .Pane umwe musha paMbuya Mushoriwa pano nzikwa mazizi pamusoro pemba. Mazizi awo akatanga kurira zvine noise zvekuti vaiva mudzimba vaimanzwa achirira vaishaya kna simba rekumuka vabatwa nedzikirira.

Paiva nerinda iro raiva kumavira zuva pachuru panoonekwa kusiimuka kweivhu rese richienda mudenga pakabva paita munhukadzi uyo akabva amira pamueoro peguva. Mukadzi anobva asimuka aiva akapfeka zvinhu zvichena asi zvaiva zvizere ropa muviri wese akatsikitsira .Panguva iyyo kunotanga kuita chamupupuri icho chakanga chine ruzha rurikure kure chaitora nangwe mashizha uye chaitora nangwe chii zvacho. Mazizi ndiwo aioneka kubhururuka mudenga. Imbwa dzepamba apa dzakatanga kuhukura dzakatarisa kurinda iye anobva anyangarika parinda.

Chamupupuri chinotanga kufamba chichinda kudivi remavire zuva.

Kwaingonzwika kurira kwemazizi uye kwakatanga kuita maungira ekuchema kwemukadzi mukuru zvekuti izvi zvaipinda munzeve dzechembere iyo mbuya Mushoriwa vanova vainzi Keresenzia Mtunami. Kuchema kuya kunoindirira kusvika asvika pamusha uyo waiva pajinga pegomo apo paidamwa kuti paSengejira.

Chamupupuri chiya chinonanga pamba paya chosviko guma paruvanze mukadzi ndopaanobudikira pakati peruvanze rwepa Sengejira .

Anootanga kuchema zvine ruzha nemaungira izvo zvakaita kuti Sengejira amuke ndokubva abuda panze achiita kukweva gumbo..

Sengejira anoti abuda panze meso ake aiita kupenya akabva atarisana nemunhu uyo naiva agere pakati peruvanze akafunya chisero. Vanobva vese vatarisana mumboni emeso ndopanoona kt maziso emukadzi uyu aiita kupfuta moto chaiko. pese paiva pakagara mukadzi uyu paiita kupfuta moto zvekuti wega waiona kutsvuka kwevhu kuratidza kuti pari kupisa...

"Wavingei pano Sarudzai handina kukuudza hre kuti gara murinda rako rine mvura" akadaro Sengejira achiita kurutsa mashoko ane mwongo asina kana kutya .

"Haundiudziri zvekuuya pano waka wacha hembe dzine ropa rangu. Wakanhanzva ropa rangu iwe Sengejira ndichipi chandaibva nacho joni ndikasakupa zvokwadi nhasi ndakuona kuipa kwako vakuru vanotaura kuti chaikuda kna chokusema chinenge ngozi. Senge ndakakutadzirei??

This is the beginning ndirikudzoka zvakare."

Akadaro Sarudzai nenzwi rakanga rinemaungira neukasha ndokubva achinja kuita mazimbe nekunyangarika.

Pakasvika Sarudzai pamba apa imbwa dzaihukura dzakanga dzanyarara sedzabatwa shaya dzakanga dzongonzwika kushinyira paakangonyangarika dzakabva dzatangazve kuhukura zvinemutsindo

Mazizi haana kumira kurira.

Sengejira anopinda mumba make umo maanombosviko mira ndokuzobuda akapfeka mucheka mutsvuku uyo waanofuridzira nmudenga ndokubva atonyangarika panzvimbo iyi. Sengejira anondobudira uko kwaiva kuguva kwaanosvika iri mhere mhere munhu aiita kuchema asi aisaoneka kuti arikuchemerepi. Senge anotarisa mukati meruoko anoona Saru aripo panzvimbo iyi asi aisava muguva. Senge anobudisa bute iro rakaatanga kumwaya pamusoro peguva.

Achipedza kudaro Saru anobuda pechena vaviri ava vanobva vatarisana uye vaita kutarisana kubva paai kusvika kumusoro zvekuti apana aiziva kuti chii chaiva choda kuitika. Saru anotanga kupfungaira chiutsi mumhino icho chakatanga kukashidza Sengejira. Panguva iyi hondo yevaviri yakanga yatanga kunzwanana masimba Senge zvaanoona angafa pano anobva anyangarika panzvimbo iyi ndokunobudira kumba kwake uko kwaasvika achizora mafuta ebere zvese zvaiva zvachinja zvakabva zvachinja kudzokera pekare chaipo.

Senge anorara but atingati hope dzakauya kwaingova kuboira boira murima imomu achifunga hondo yakanga atarisana nayo kuti aizoikunda here .

""Saru saru waita mudiki unoti ungandiwisa iwe mwana wazuro uno !! Ndinonzi Senge ini"""vanodaro mbuya vachitaurira mumoyo ..

kwava kuda kunoedza kunonzikwa shumba kudzvova zvinemaungira zveekut masango aisara achinzwika kudairira kireva kuti aienda kure izvo zvakaita ani nani avhunduke mumba make. Kubva makare kare muraini iri arina kubvira ranzikwa inzwi reshumba izvo zvakaita kuti umwe neumwe abatire maura muruoko .chisina kuziikamwa naani nani zvake kuti ndirwo rwaitova RUZHARWERINDA urworwo chitunha chaiva chatsamwa kwete zvekutamba chaizama kududzira hasha dzacho..

Vazukuru vaSenge vanoti vachimuka vanoona paiva pakarara shumba pakati peruvazhe vanomanya kundodana mbuya avo vakauya vakaona zvese nemafambiro ayakaita ichibva pamusha uyu. Senge anotarisa kudivi rekumavirira anobva aona ropa richiyerera mumhepo anodzokera mumba make achiita kukamhina rake gumbo . Anopinda mumba make ndokubva apa nhere nguva yekuti dzimutonge anotanga kutaura ega mumoyo make zvekare asi hana isina kugadzikana zvachose..

"Saru watotanga kunetsa makuseni ano saka ndichaita sei.? Haaa ndinofana kumuisa mubhutsu kna mubhotoro mani andinetswe nechitunha ini, ini hwangu hausi wekupiwa ka ndehwekuzvarwa nahwo!!!

" Anodaro senge mumoyo make ndokubva atanga kusekerera aiva atoona kuhwina kwaiizoita mission iyi zuva ranhasi nekuti aizviti andinzwaro..

Chipo naChiedza vazukuru vanoti vapedza bsa ravo repamba vanotora mabucket avo ndokutanga kufamba havo vakananga kumugodhi asi munzira mese apana aitaura neumwe , umwe neumwe aive kunyika yake ega achifunga zvavakanga vaona sevana zvaivanetsa. Vanoti vasvika Chipo akuda kuchera mvura Chiedza anobva ati""Chipo ndipe nditerere ini iwe uchigamuchira""

Chipo anobva aramba oti ""kwete rega hako nditerere ooooh gamuchira uchidira"" Chiedza akangonyarara hake akatanga kugamuchira akanyarraara.

Chipo akuchera chimugomo chekupedzisira chitini chinobva chaita sechahakira sechine chachibata mumvura , anoramba achizama kuchidhonza tambo inobva yadambuka achakatarisa kudaro mumvura muya kt chingava chii chahaka chigaba anoona mufananidzo mumvura wakati mveee ,akaramba akatarisa kuti anyatsoona ndobva mumvuri uya fty wati mveee zvakaita kt Chipo arowe nehana

Akatombofunga kt pamwe munhu awiraka ndopaakazonyatsotarisisa mumvuri uya ndokuona hezvoo zvaarii....??achirimukunetseka kudaro akabvaa ashaya balance ndobva a..... Chiedza akanga akafuratira achivhara rimwe bucket rakanga razara haana kukwanisa kuona zvaitora nzvimbo

""Saru ngatiiteyi tiende kumba ndipe ndidire 1chasa..""asat apedza kutaura ndopaanocheuka Chiedza achiona shura....

End of chapter 01

1.Mumvuri wani waonekwa na Chipo????

2 Ko Saru ishura reyi raaona???

NO COMMENT NO BOOK

Let's meet next chapter tinzwe kuti Senge ayitasei? Chipo achaita sey? Koo Chiedza arikuitawo seyi?

Problem ndinozvishanda saka musanditsamwira ndochaisa later. Uye kugeza kubika fut.....

Valentine loves you so much 😍 keep supporting us

chikwapurofamily@gmail.com