*_☠️☠️RUZHA RWERINDA ☠️☠️_*
💜VALENTINE SHONA NOVELS
*Channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaVwv36HVvTWOkWkFA3H
A STORY WRITTEN BY
NB : PARENTAL GUIDANCE IS ADVISED :
*💜 Valentine Dhambura* aka Chikwapuro
*Follow me On Facebook* ♤👇
https://www.facebook.com/profile.php?id=100093617696004&mibextid=ZbWKwL
NEW BOOK 🌠 🌠
👂Tsvigiri munzeve👂
CHAPTER 02.
Sengejira zvaanosara muimba yake yekuvata vazukuru vake vachiinda kumugodhi pfungwa adzina kumbozosara dzikazorora nekuda kwezviitiko zvangazvakutanga kuitika.
Anosara ndokumuka apo paanondopinda mune imwe tsapi yake iyo yaisangopindwa nani naani zvake kunze kwake nevazukuru vake. Anoti achipinda anotora futa reBere ndokuzora kumeso panguva iyoyo anotora zvakare weti yeGudo ndokubva amwa achipedza anonzwa simba richizara maari uye anonzwa humwe hushingi hunekusindimara muhana yake.
Kunzwa kuti anga ava zvakare chapopo chemandiriri.....
Anosimudza imwe hari iyo yaiva yakaita sepfuko ndokubva atora mukombe wake ndokubva achera ropa iro raakabva asanganisa neuruzvi ameno kuti hwemwana asati aona nyika pamwe nesvina yekiti nhema anotora zvakare svina yake yekuzasi ndokusanganisa anozvisiya zvakadaro kwenguva refu.
Akabva aenda pangapana Skimbo(nyoka yake) ndokiipa nyama iyo yaiva iri musaga raiva nedehwe rembudzi nhema. Nyoka yaityisa zvayo iyoyo waiva nehana nhete waisaitarisa ruviri 👺inezvimbi neruvara rutema rwakati zviii,rurimi rwayo rwangarwakareba ...
. Apa Sengejira aipa nyoka iyi chikafu chainofarira nekuti aida iite basa hombe uye aiva achida kuti kna yapedza ichiita bonde naChiedza yobva yanopedzisa dare raSarudzai.
Izvi zvese zvaitwa naSenge aingonzwa ziso rake richirovera pasi sechigumwe. Anobuda panze achisiya kahari kaaiva aisa huruzvi kachipfungaira chiutsi. Panguva iyoyo anoona pabomhodzi reropa pasi uyo anoona chamupupuri chakananga kumugodi nguva iyoyo anoona muzukuru wake achiuya achimanya nespeed yembwa nhatu akananga kuna gogo vake izvo zvakaita kuti Senge akaramba akamira .
Muzukuru wake akasvika achinowira mumaoko a Senge achitsvaka mweya uyo wakanga wakuita mushoma nekuda kwekumanya uye nekuvhunduka.
Gogo.."kochiiko chaunomanya ukadaor nhywe Rumbi kwakanaka here kunge uchaburitsa mapapu...."""
Rumbi.."""silent""
Gogo..""tauraka ko Chipo wamusiyepi.."""
Rumbi..""gogo kani..."akadaro achitendekera kumugodhi
Gogo vakatarisa asi avana chavakaona.
Rumbi""..gogo chipo awira mumugodhi"""akadaro nezwi rizere kutya ziya richibuda.
Senge akaramba akamira mashoko ataurwa achiita maungira munzeve dzake akaita nguva akadaro achiita seaiona zvinhu zviviri zviviri ndokuzoti bengenu akangotendeuka akarova speed akananga kutsapi kwake uko kwaakati achisvika achiona mashura akasunga dhuku........
......
Ishmael anoti achifamba akabata bucket remvura aiva achangobva kutumwa nambuya vake vanova Mbuya Mushoriwa. Aiva achifamba achiverenga mashoko chaimunetsa munoziva marwadzo emoyo aiva mumoyo make. Zvokwadi aizvibvunza kuti chii chakaruma chikasakwevera kuna maiva vake. Airwadziwa zvikuru kwazvo nekufirwa naaamai vake izvo zvakaita afunge zuva rekupedzisira raiva namai vake vakagara pasi pemu mhamburosi achivarudunura musoro apo paiva vakati kwaari...
"Ishmael mwanangu zvawakura kudai saka unondiitirei mwanangu" awa aiva mashoko aSarudzai musi waapedzisira kudya mundiro imwe chete nevana vake.
"Amai inni ndinoda musandishandira futi ndinoda kuzama nepandinogona napo kuti mudye pamwe nekumwa uye ndinoda kukutsvagirai muroora anokwanisa kukubatai sezai reGondo nekuti kwandiri muri chiso changu mai. Pamuri i will do everything. " kaidaro Ishmael musi uyu achishunya mama vake muhuro izvo zvakatanga kumarana mai nevana. Ndiwo waiva mugariro waSarudzai kuvana vake.
Zvese izvi zvaiva mundangariro dza Ishmael uyo aiva akutodonhedza musodzi pahuso hwake apa mvuya yekutambudzika yaidzira zvine ukasha. Akati achisvika pagate repa Garden pavaichera mvura anonzwa mhere mumugodhi ndokubva amanya akananga kumugodi uko kwaakasvika achitarisa mumugodi anoona Chipo arimumugodi. Paiva neruoko urwo rwaiita sekuti nguva yese iyi rwanga rwakabata Chipo but paakangosvika rwakabva rwaregedzera Chipo mumvura,, akabva aona mufananidzo wemunhu uyo wakaita Ishamael ashame muromo hana ichirova ndokubva aaa.....
...
....
Chaiva chipata pata paChiredzana hwahwa huchimwiwa kwete zvekutamba. Vakomana vaviri ava vaimwe kwete zvekutamba. Vaiva vakuoneka seshoroma muzvimbo. kuti zvizikamwe kuti mari vakadziwanepi apana aizviva asi vamwe ndovaingoti ndovakaromba vana ava. Vakomana ava avaita kukanda ma US pasi zvekuti tioneyi chaiko.kana musi uyu mahure akatombofara vanhu vachinonga. Panze peBhawa raChivere paiva pakapakwa mota yerudzi rwe Range Rover iyo yaiva four doors uye yakashongedzwa neruvara rwutema muviri wayo.
Doro rakangonobhadharwa bhawa rese anoda masese anoda hwechirungu kana zvidhara zviya zvemurqini musi uyy zvakatombosukawo pahuro nehwechirungu .waingoenda pacounter uchinopiwa raunoda chako yaiva huro chete.
Vanhu vakaita hweku dzatura kwete kumwa izvo zvaionekwa ne wese wepama girosa apa. hino kondoidza vakomana ava vaiva vadhakwa zvekuti apana aiva achada doro chavakakwanisa kuita chete kutora zvima hure izvo zvaiva zvafambira divi iri musi wacho ndokubva vapinda nazvo mumota aina kure kwaya kaenda yakabva yapakwa paside peroad hwanga hwava mumusoro manke apa hope,,, ipapo ipapo zvidhakwa ndokubva zvavata vakabva vakangamwa kuti vauya nevanhu . Izvi zvakaita kuti mahure awa amuke.
Vakakasika kufunga ndokutarisa pavanga vaona mazakwatira emari asi apana chavakaona. Izvo zvakava shamisa kuti mari yavaiva vaona yafamba seyi.?
Vakangktarisana vaviri apana akataura neumwe vakangokurura zvigogo zvavo vakaburuka mumota .sezvo vangavasat vaenda kure nemashops vakamanya vakadzokera kubhawa,vakasvika pabhawa ndokumbofema ndokuzopinda mukati pavakada kuudza umwe sahwira wavo pamusoro pezvinhu zvavaiva vaona vakabva vaa....
Team rakazosara rikamuka nguva dzavanopepuka vakarohwa nehwahwa vanoona umwe neumwe akazemberwa nemusikana ndokuzofunga kt hoooo tauya nevanhu asi nekuda kwesoro avana kunge vatarisa zviso zvevanhu ava izvi zvakaita vanzwe manyuku nyuku ndokutanga kupuruzvira vasikana vavo pasina nguva vanga vatokwidzana mudenga rechi 11.
Vana vakadyanana miromo waingonzwa kufemera pamusoro ma seat angaatowiswa pasina kana nguva vanga vava musuit yekuzvarwa nayo waingonzwa miromo kunge pakudyiwa zvihwitsi Vakomana ava vari two avana kna kunyarana umwe neumwe airwa nezvake mumota imwe imomo
Pakabatwa basa zvekut apana aitaira neumwe vachipedza ziya nekufemereka ndozvaitaura . Vese vanopfeka vakomana vanobudisa chitsapo chemari ndokupa vasikana avo vakabva vatobuda mumota team rosara richirovana maoko izvi zvakita vese vacheuke kumashure vaida kuona ma bbe aya kt nekufaya kwakuchita vana vqkambomiraseyi chaizvo cz haiwa huchii, vakacheukira but vakashamisika vachiona ...
*NO COMMENTS NO BOOK*
FOLLOW AND LIKE US ON CHIKWAPURO NOVELS.
End of chapter 02