Chereads / RUZHA RWERINDA / Chapter 3 - Ruzha rwerinda

Chapter 3 - Ruzha rwerinda

*_☠️☠️RUZHA RWERINDA ☠️☠️_*

💜VALENTINE SHONA NOVELS

*Channel*

https://whatsapp.com/channel/0029VaVwv36HVvTWOkWkFA3H

A STORY WRITTEN BY

NB : PARENTAL GUIDANCE IS ADVISED :

*💜 Valentine Dhambura* aka Chikwapuro

*Follow me On Facebook* ♤👇

https://www.facebook.com/profile.php?id=100093617696004&mibextid=ZbWKwL

NEW BOOK 🌠 🌠

👂Tsvigiri munzeve👂

CHAPTER 03.

Sengejira

Ngoma ndiyo ndiyo painoririra asi haiiite yeJeke inoti pangu pangu. Sengejira zvaiva zvawira mumunda make. Nguva dzaakanzwa kuti muzukuru wake aiva awira mumugodhi anomanya anosvika mu tsapu yake umo maanosvika kuwana Skimbo( nyoka yake) yati rabada pasi anobva atora dopiro rake risingachapfungairi chiutsi anotanga kukurunga nezigumwe rake achipedza anomwa pamwe nekumwisa nyoka yake. Anofamba akananga apo paive Frame remwana wake aiva akasofa kare anoribvisa kuseri kwaiva neglas anoritora ndokubva aiita kuri pfira ndokubva rashanduka anotaura mashoko maviri mana. Mashoko awa aisanzwisisika kuti aiiti kudini uye kuti chirudziii.....

*"Heby morish silver light the lithru otha geshemu otha rama"* mashoko awa airutswa naSenge panguva iyyo panobuda muzukuru wake paglaz anobva aona umwe munhu uyo aibetsera muzukuru wake izvo zvakaita ade kuziva kuti ndiyani anotarisa zvekare anoona kumeso kwemunhu uya kusingaoneki. Senge anobuda mutsapi achiita kupupa furo kuti chii chaiva choitika mudunhu iri sezvo ari iye airira panyaya dzeusiku uye airira zvekare paGlas rake repasi chigare.

Aishaiwa kuti angava ani anoda kutsika munzira dzake nekuti wese aizuma panzira iyi apana waishaya. Akamanya akananga kumugodhi uko kwaakasvika pasina vanhu. Anobva atarisa shoka pasi kuti ingava yani yatsika. Akaona zvekare iri tsoka yaChiedza izvo zvakaita arova muti nembama aiva otoda kupedza nemunhu aiva akumu challenger . Anodzokera kumba kwake ane hasha idzo dzaiva dzakaita kumuzara kubva kuzvigumwe kusvika kumusoro. Anosvika ndokupinda mutsapi achibva ataura nenyoka yake akuituma basa.Skimbo haana kuda kukakama nekuti akatoona kt face ya Senge haina kana nyena.ipapo anobva Apfeka hembe nhema ndokubva aitora ndokuizora mafuta ekiti nhema.

Achipedza anotaura mashoko mashona shoma nayo inobva yabuda Senge anosara achinyemwerera. Nekuti aitoziva kuti chikomana achifambe ruviri chaitondoita basa nemazvo rekufutsira urwu rwumwana rwaKeresenzia. Anofamba achipinda muimba yekubikira mufaro urikugotsi kani ndokubva agadza mungayi anodzokera mutsapi zvakare ndokutarisa kuti muzukuru wake panguva iyoyo aida kuziva kuti ari mumumusha upi muraini iri. Anotarisa pagraz asi chinhu chaakatanga kuona inyoka yake iyo yaakaona ichibhururuka yakaita seyakuda kumhara paakat aone kuti ikuda kumhara pamba apa ndepani pagirazi pakabva pangoita rima ndiye..... anobuda ari bara ungamboti ndiyo chembere yegumbo hre....?

*@Ishmael na Chipo*

Ishmael anoti akatarisa mumugodi anoina ruoko urwo rwairegedza Chipo anoramba akarwutarisa anokna rwuri rwamai vake nekuti akaona nezvigumwe six kune rweruboswe. Panguva iyyo anoona mufananidzo wamai vake. Anoramba akautarisa anoona wakazara ropa mumaziso izvo zvakaita apererwe ndokutanga kuyeredza mvura yekutambudzika nguva iyyo Ishmael anokanda tambo mumugodhi Chipo ndokubva abatira akabva amubudisa mumugodhi.

Nguva iyyo panobva paita chamupupuri icho chakabva chabuda nekudivi rekwa Mbuya Mushoriwa. Nguva iyyo Chipo paanobuduswa mumugodhi anobva andowira pasi achibva avata nedumbu achiita kufemera kure kure zvemunhu akutambura kutsvaka mweya. Ishmael anotanga kukwesha Chipo nejecha kumusana nguva iyyo Chipo aiita kurutsa mvura yega chete.

Chipo akatanga kuzvisvoora kushoora kwaaita Ishmael kubva achikura uye kumutsinyira kuti akawana waanodanna naye Chipo ainorambanisa vanhu izvo zvakaita ayeredze musodzi kuti koo aivenga munhu asina dambudziko naye. Uyo waunovenga ndiye anokubatsira .Uye akaona kukosha kweumwe munhu nekuti Ishmael haana kugara atora mufananidzo wekuwira kwaChipo asi chaakaita iye kubatsira kuti agone kurarama.

Mukomana anotora mabucket ndokuviga mumubanana achipedza anosimudza Chipo akananga naye kumba kwana Ishmael.Chipo panekuti aterere marwadzo nekutenda Mwari kuti ndangandafa panguva dzaiva akasimudzwa na Ishmael angaakutoterera ropa rake akatsinzinira tuziso achizvijuvadza nema imaginations . Zvino vanoti vakuyambuka chikova vakananga kumba Ishmael akanzwa kasound kakadarika nepamusoro pake ,hana yakamborova but akatarisa haana chaakaona ukuwo sisi apana chaionekwa cz vaitovawo midenga ravo vega .

Akati ati nhano achisimudza musoro apa hana yake yakabva yarohwa nehana chaiko ichinowira mudumbu

Ishmael..""Jeso wenazareta!!.."achidonhedza Chipo pasi

....

*"Vakomana Vaviri"*

Vakomana vanocheuka kumashure ndokubva vaona kusina kna munhu. Izvo zvakaita vanzwe hana dzavo kubika manhanga nekuda kwekuti vanhu vaiva vachangobuda mumota avana kugara vaoneka kna kaskirt zvako. Nguva iyyo pane mujaya uyo ainzi Alvin akabva atanga kunzwa kusosona kuzasi kwake ndokubva audzawo umwe wake Mhara vese vainzwa zvakafanna.

Vanomutsa mota zvemufirimu vakananga pamba uko kwavakasvika vachigeza asi zvaisosona asi zvaiva nane vakomana vanotora mota yerudzi rwe Mercedes Benz yaiva ine rudzi rwutsvuku. Vaiva nechiacha icho chavakaisa mumota ndokubva vaitinha mota vakomana vakananga growth point mujerera. Nguva dzavaifamba idzi vairova mimhanzi yedrip. Vanorova mugwagwa vakananga Chivamba vanokona ndokudya divi rainanga Panganai. Pasina nguva vaiva vapinda muJerera.

Vanosvika paKanzuro ndokumira pabhawa irro pasina nguva panosvika inwe mota nhema yaiva yerudzi rweJeep. Inosvika ichimira ndokubva maburuka rimwe rume raiva rakashinga kumeso kwaro saValentine. Raiva richifamba rakabata loptop rinosvika ndokupinda mumota yevakomana umo munobva mamhorosana ndokubva team ratora chiacha chiya ndokupa mukuru uya uyo akavhura akaramba akatarisa ndokuzotanga kusekerera ega...

"Ende iri rakakura manje..." rakadaro rume iri ndokubva foni yevakomana yaringer umwe wacho anodavira isi paloud asi umwe wake waizvinzwa sezvo vaiva pedo napedo. " makarara neee... uye mari yamakapa maifana maka..... " awo mashoko aitaurwa pafoni...

*NO COMMENTS NO BOOK*

FOLLOW AND LIKE US ON CHIKWAPURO NOVELS.

End of chapter 03